Ivai nechivimbo nemari yenyu
BHANGA guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) nemusi weChishanu chadarika rakaparura mari itsva inozivikanwa nekuti Zimbabwe Gold (ZiG) uye chinangwa chikuru ndechekudzikamisa mamiriro ezvinhu munyaya dzeupfumi hweZimbabwe.
Izvi zvinotevera kukwira kwakanyanya uye kusina tsarukano kwange kuchiita mitengo yezvinhu zvichikonzerwa nedzimwe nhubu dzinotengesa mari pamusika wemukoto, pakati pezvimwe.
Mari itsva iyi inonzi ichatanga kushanda nemusi wa30 Kubvumbi gore rino.
Ichange ichitsigirwa hukoshi hwayo negoridhe riri kuRBZ iro rinosvika matani 2,5 pamwe chete neUS$300 miriyoni rinove danhu guru rinotarisirwa kuti richaona kudzikama kwezvinhu munyaya dzeupfumi hwenyika.
Pari zvino vemabhanga nemamwe mapoka anoita nezvemari vari mushishi kugadzirisa zvinhu kuitira kuti mari yakagara ichishanda ive hochekoche neichangoburwa iyi.
Hongu, pane zvimwe zvimhingamipinyi zvinogona kusanganikwa nazvo panguva yakadai sekuti veruzhinji havakwanise kushandisa maRTGS nekuda kwehurongwa huripo hwekuzoshandiswa kwemari itsva.
Asi izvi zvagara zvinhu zvinowanikwa kana pachiunzwa mari itsva uye zvinogadzirisika nekufamba kwenguva.
RBZ yakatotanga hurongwa hwakasimba hwekudzidzisa veruzhinji pamusoro pamari iyi uye izvi zvakakosha nekuti veruzhinji vanofanirwa kuziva musiyano wemari yechokwadi neyemanyepo.
Danho iri ragara ndiro rinotorwa nguva dzose kana pachinge paunzwa mari itsva nekuti kune dzimwe nhubu dzakamirira kudhinda mari yemanyepo izvo zvinozoita kuti veruzhinji vawanikwe vachibirwa.
Nerumwe rutivi, zvakakoshawo kuti veruzhinji vatambire mari itsva iya nekuita chivimbo nayo kuti ikwanise kushandiswa zvakanaka.
Kuuya kwemari itsva iyi kunotarisirwa kuona kudzikira kwemitengo yezvinhu nekudaro zvinobatsira zvakanyanya kuti veruzhinji vataure zvakanaka pamusoro payo.
Tinogamuchira nemaoko maviri mashoko esangano rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZI) ekuti vemabhizimisi vatambira kuuya kwemari iyi uye vari kushanda siku nesikati mukuona kuti mitengo yavo yaenderana nemamiriro matsva emusika wemari.
Kana vanhu vakagamuchira uye vakataura zvakanaka pamusoro pemari itsva iyi, mukana mukuru uripo wekuti zvinhu zvinoendeka munyaya dzezveupfumi munyika.
Tinodaro nekuti maonero everuzhinji akakosha nekudaro chinodiwa kutenda nekuve nechivimbo nemari iyi.
Pamusoro pezvo, veruzhinji vanotofanirwa kudada nemari itsva iyi senzira yekuisimbaradza mumashandiro ayo.
Hongu, kune dzimwe nhubu dzange dzajaira kutengesa mari pamusika wemukoto idzo dzinogona kuzama noto nemari itsva senzira yekudzikisira hukoshi hwemari itsva iyi asi kana veruzhinji vakaitsigira zvakasimba, humbimbindoga uhu hunoshaya basa.
Chikumbiro kuruzhinji chimwe chete: Ivai nechivimbo nemari yenyu.