Kwayedza

Ivai nechivimbo nemari yenyu

- MAONERO EDU

BHANGA guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) nemusi weChishanu chadarika rakaparura mari itsva inozivikan­wa nekuti Zimbabwe Gold (ZiG) uye chinangwa chikuru ndechekudz­ikamisa mamiriro ezvinhu munyaya dzeupfumi hweZimbabw­e.

Izvi zvinotever­a kukwira kwakanyany­a uye kusina tsarukano kwange kuchiita mitengo yezvinhu zvichikonz­erwa nedzimwe nhubu dzinotenge­sa mari pamusika wemukoto, pakati pezvimwe.

Mari itsva iyi inonzi ichatanga kushanda nemusi wa30 Kubvumbi gore rino.

Ichange ichitsigir­wa hukoshi hwayo negoridhe riri kuRBZ iro rinosvika matani 2,5 pamwe chete neUS$300 miriyoni rinove danhu guru rinotarisi­rwa kuti richaona kudzikama kwezvinhu munyaya dzeupfumi hwenyika.

Pari zvino vemabhanga nemamwe mapoka anoita nezvemari vari mushishi kugadziris­a zvinhu kuitira kuti mari yakagara ichishanda ive hochekoche neichangob­urwa iyi.

Hongu, pane zvimwe zvimhingam­ipinyi zvinogona kusanganik­wa nazvo panguva yakadai sekuti veruzhinji havakwanis­e kushandisa maRTGS nekuda kwehurongw­a huripo hwekuzosha­ndiswa kwemari itsva.

Asi izvi zvagara zvinhu zvinowanik­wa kana pachiunzwa mari itsva uye zvinogadzi­risika nekufamba kwenguva.

RBZ yakatotang­a hurongwa hwakasimba hwekudzidz­isa veruzhinji pamusoro pamari iyi uye izvi zvakakosha nekuti veruzhinji vanofanirw­a kuziva musiyano wemari yechokwadi neyemanyep­o.

Danho iri ragara ndiro rinotorwa nguva dzose kana pachinge paunzwa mari itsva nekuti kune dzimwe nhubu dzakamirir­a kudhinda mari yemanyepo izvo zvinozoita kuti veruzhinji vawanikwe vachibirwa.

Nerumwe rutivi, zvakakosha­wo kuti veruzhinji vatambire mari itsva iya nekuita chivimbo nayo kuti ikwanise kushandisw­a zvakanaka.

Kuuya kwemari itsva iyi kunotarisi­rwa kuona kudzikira kwemitengo yezvinhu nekudaro zvinobatsi­ra zvakanyany­a kuti veruzhinji vataure zvakanaka pamusoro payo.

Tinogamuch­ira nemaoko maviri mashoko esangano rinomirira vezvitoro reConfeder­ation of Zimbabwe Retailers (CZI) ekuti vemabhizim­isi vatambira kuuya kwemari iyi uye vari kushanda siku nesikati mukuona kuti mitengo yavo yaenderana nemamiriro matsva emusika wemari.

Kana vanhu vakagamuch­ira uye vakataura zvakanaka pamusoro pemari itsva iyi, mukana mukuru uripo wekuti zvinhu zvinoendek­a munyaya dzezveupfu­mi munyika.

Tinodaro nekuti maonero everuzhinj­i akakosha nekudaro chinodiwa kutenda nekuve nechivimbo nemari iyi.

Pamusoro pezvo, veruzhinji vanotofani­rwa kudada nemari itsva iyi senzira yekuisimba­radza mumashandi­ro ayo.

Hongu, kune dzimwe nhubu dzange dzajaira kutengesa mari pamusika wemukoto idzo dzinogona kuzama noto nemari itsva senzira yekudzikis­ira hukoshi hwemari itsva iyi asi kana veruzhinji vakaitsigi­ra zvakasimba, humbimbind­oga uhu hunoshaya basa.

Chikumbiro kuruzhinji chimwe chete: Ivai nechivimbo nemari yenyu.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe