Kwayedza

Akapfura mwana achiti igudo

- Lovemore Kadzura naLiberty Dube

HARAHWA ine makore 81 ekuberekwa inova murimi kwaRusape inonzi yakapfura nepfuti mwanakoman­a wayo ane makore 46 okuzvarwa akabva afa ichifunga kuti igudo.

Mushakabvu uyu, Innocent Nyakurerwa, anonzi aidzingiri­ra makudo akanga apinda mumunda wavo wechibage pakaitika tsaona iyi.

Panguva iyoyo, Innocent anonzi haana kuziva kuti baba vake, Isaac Nyakurerwa wepaPlot 20A, kuFairfiel­d Farm, kuHeadland­s vaidzingaw­o makudo aya vachishand­isa pfuti yemhando yeWinchest­er ndokuiridz­a kamwechete ikapfura chirebvu chake zvikaita kuti abva angofirapo.

Isaac akabva asungwa uye ari kupomerwa mhosva yekuuraya munhu asi asina chinangwa chekuita izvi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti iri kuenderera mberi nekuferefe­twa.

Vanoti Isaac anonzi akaona mumvuri wemwana wake achibva afunga kuti igudo.

Anonzi akatozoona kuti aive amupfura apo akaridza mhere.

“Nomusi wa26 Kurume 2024, paPlot 20A Fairfield 20 Farm kuHeadland­s, munhu ari kupomerwa mhosva aidzingiri­ra makudo ayo aiuya kumunda wake wechibage.

“Akaridza pfuti yake yemhando yeWinchest­er 22 kugomo kwaive nemakudo aya achibva apfura mwana wake wekubereka, Innocent Nyakurerwa, ane makore 46 okuberekwa pachirebvu. Innocent akabva angofira ipapo. Pfuti nebara rakashandi­swa zvakawanik­wa panzvimbo iyi,” rinodaro gwaro riri kumapurisa.

Mune imwewo nyaya, murume wekuHonde Valley akawanikwa akafa uye mutumbi wake watova padanho repamusoro rekuwora inova nyaya inofungirw­a kuva iine chekuita nehumhondi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe