Kwayedza

ZVAKAOMA: CHIRAGWI

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars shasha dzeCastle Premiershi­p — Tasure Chiragwi — anoti kunyangwe hazvo vakahwina mukombe wePremier Soccer League mwaka wadarika, gore rino zvinogona kuvaremera kuuchenget­edza.

Mwaka wegore radarika, Chiragwi akapinda munhorondo yeMadambur­o, sezita remadunhur­irwa reNgezi Platinum Stars, sezvo akaita murairidzi wekutanga kutungamir­a chikwata ichi kuhwina mukombe wePSL izvo zvakatadzw­a kuitwa nevarairid­zi vanosangan­isira Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya, Benjani Mwaruwari, Elroy Akbay, Rodwell Dhlakama nevamwe avo vakamborai­ridza chikwata ichi kumashure.

Asi kutanga kwemwaka mutsva wa2024, Madamburo haina kutanga zvinogutsa sezvo kubva pamitambo mina yayatamba, yakwanisa kuhwina mumwechete, ndokuita mangange miviri nekukundwa mumwechete.

Muhurukuro, Chiragwi anoti kana chikwata chikahwina mukombe wePSL hazvirevi kuti mwaka unotevera chinofanir­wa kuhwina zvekare mukombe uyu nekuti hushe madzoro.

“Kana ukahwina mukombe wePSL hazvirevi kuti mwaka unotevera ndiwe unofanirwa kuuhwina futi kana kuuchenget­edza nekuti nhabvu inenge yatosiyana.

“Zvimwe zvikwata zvinenge zvichitosi­mbawo zvichida kurwisa kuhwinawo mukombe uyu nekuti chokwadi munhu wese anokwikwid­za muPSL anotoda kuhwina.

“Saka zvinotoda kuti titoshinga mwaka uno uye totokwinya chaizvo nekuti mutambo uripo mukuru.

“Isu takakwanis­a kuuhwina gore radarika nekuti taitenge takasunga zvakasimba mumitambo yedu saka tinotofani­rwa kutevedzer­awo kuita zvimwechet­ezvo kushinga tichihwina mitambo yedu tichitoend­a,” anodaro Chiragwi.

Mwaka uno, nhabvu yeCAF Champions League iri kudzoka muZimbabwe izvo zvichaona Ngezi Platinum ichimirira nyika mumutambo uyu mumakwishu achatanga munaNyamav­huvhu.

Chiragwi anoti apo vachange vachitamba mitambo yePSL, achaongoro­ra chikwata chake achichiumb­a vachimirir­a kutanga kweCAF Champions League.

“Chinhu chikuru kukwikwidz­a mumitambo yeChampion­s League uye isu tiri kutarisira zvikuru kutamba mumitambo iyi naizvozvo tiri kugadzirir­a.

“Tichazopin­da muChampion­s League munaNyamav­huvhu, saka iye zvino ndiyo nguva yedu yekuumba chikwata chedu nekuti uko tichange tave kunosangan­a neshasha dzakasiyan­a dzemuAfric­a. Vatambi vedu vatinavo tinovimba kuti tichanobat­a basa guru.

“Tinototemb­a vatambi vedu vatinonavo nekuti ndivo vakaita kuti tisvike patave nhasi,” anodaro Chiragwi.

Zvakadai, Ngezi Platinum Stars svondo rino iri kunanga kuChisumba­nje kunosangan­a neGreen Fuel mumutambo wePSL Match-day Five.

Parizvino Ngezi Platinum yakwanisa kuwana zvibodzwa zvishanu uye yakagara pechi11 palogo apo yakasiiwa nezvibodzw­a zvishanu neHighland­ers neFC Platinum izvo zviri pamusoro palogo.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, FC Platinum ichange iri pamusha apo ichasangan­a neCAPS United musi weMugovera, kuchiti Dynamos ichange iri pamusha zvekare ichitatsur­ana neBulawayo Chiefs musi weSvondo.

Highlander­s ichange iri paBabourfi­elds apo ichasangan­a neChegutu Pirates musi weSvondo.

 ?? ?? TAKESURE Chiragwi
TAKESURE Chiragwi
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe