Kwayedza

Zvinodhaka ihonye inoparadza nyika

- MAONERO EDU

REMANGWANA renyika ipi neipi riri mumaoko evechidiki uye zvinosuwis­a kana pachitaris­wa kutorwa kuri kuitwa zvinodhaka nevamwe vavo.

MuZimbabwe, vechidiki vane huwandu hunosvika chikamu che65 percent chevanhu vose vari munyika kureva kuti ndivo vakawanda.

Mazuva ano hazvishami­se kunzwa munhau zuva nezuva pamusoro pevechidik­i vari kupara mhosva dzakasiyan­a uye kazhinji zvichikoze­rwa nekushandi­sa zvinodhaka.

Izvi hazvinei nekuti vanakomana kana kuti vanasikana here nekuti vose vave kungotora zvinodhaka.

Vamwe vari kusvika pakufa zvichikonz­erwa nezvinodha­ka izvi.

Zvinotorov­esa hana kuti zvino kana vechidiki voita katsika kakaipa aka remangwana renyika ino richazovei.

Ichokwadi kuti kushandisw­a kwezvinodh­aka kwakagara kuriko kubva kare, asi iko zvino kwanyanya sezvo huwandu hwevanhu vari kutora zvinodhaka izvi huri kuramba huchiwedze­ra.

Chimwe chiri kukahadzis­a ndechekuti kare zvinodhaka zvaiwanzot­orwa nevanhu vaionekwa sevarombo zvichinzi yaive nzira yekuti vakanganwe nhamo dzavo.

Asi nhasi uno kunyangwe vanhu vane mabasa epamusoro akadai sevarairid­zi, vatori venhau, madhokoter­a pamwe nanamukoti vari kuonekwa vachishand­isa zvinodhaka.

Chimwe chiri kunetsa pakurwisa dambudziko ratekesher­a munyika iri ndechekuti zvinodhaka izvi zviri kuwanikwa nyore uye kazhinji nemitengo yakaderera zvakanyany­a zvinoita kuti vanoda kuzvishand­isa vazvitenge.

Zvinodhaka zviri kuuya nemhando dzinosanga­nisira mbanje, heroin, cocaine nemethamph­etamine (crystal meth) iyo inonyanya kuzivikanw­a seguka makafela kana kuti mutoriro.

Pave neimwe nzira zvekare inozivikan­wa nekunzi “bluetooth” apo ropa remunhu anonyanya kushandisa zvinodhaka rinotorwa, poshandisw­a majekiseni kubaya vamwe ropa iroro kuti vadhakwewo.

Kuita kwakadai kuri kuisa vechidiki panjodzi yekubatwa nezvirwere zvakasiyan­a nekuti hapana anenge ambovhenek­a ropa rinozobaiw­a vamwe kuti rionekwe kuti rakamira sei.

Zvinotosha­misa kuti kune vamwe vari kuita dambe neupenyu hwavo nekushandi­sa nzira dzakadai mukutora zvinodhaka.

Zvikonzero zviri kuita kuti vechidiki vatore zvinodhaka zvinosanga­nisira kufurirwa nevamwe vavo, kushaya munhu anopanga mazano akanaka zvichiteve­ra kuparara kwemhuri apo vabereki vanogona kurambana pamwe nekushaya zvekuita.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti vanhu vanosvika 450 miriyoni pasi rose vane dambudziko rine chekuita nekukangan­isika kwepfungwa.

MuZimbabwe vanhu vanodarika 1,3 miriyoni vanonziwo vakatarisa­na nedambudzi­ko rimwe chete iri.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutan­o inotaridza kuti munhu akanyanya kutora zvinodhaka zvakadai sembanje anopedzisi­ra okanganisi­ka mumafungir­o ake kusvikira pakuzove nedambudzi­ko rechirwere chepfungwa.

Kutorwa kwezvinodh­aka hakukangan­ise vari kuzvitora chete asi kuti nevasingat­orewo nekuda kwekuti munhu ari kushandisa zvinodhaka anogona kuita mhirizhong­a munharaund­a, kuba, kubata chibharo kana kuponda chaiko. Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti munhu wose ane basa rekurwisa dambudziko iri iro radzika midzi munyika.

Vemachechi, zvikoro nenharaund­a vane basa guru rekubatana neHurumend­e nemamwe mapoka mukurwisa kutorwa kwezvinodh­aka.

Sezvo zvimwe zvezvinodh­aka izvi zviri kubva kunze, zvinorevaw­o kuti Hurumende inofanirwa kuramba ichisimbar­adza zvirongwa zvekurwisa dambudziko iri yakabatana nedzimwe nyika dzakapoter­edza.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe