Zvinodhaka ihonye inoparadza nyika
REMANGWANA renyika ipi neipi riri mumaoko evechidiki uye zvinosuwisa kana pachitariswa kutorwa kuri kuitwa zvinodhaka nevamwe vavo.
MuZimbabwe, vechidiki vane huwandu hunosvika chikamu che65 percent chevanhu vose vari munyika kureva kuti ndivo vakawanda.
Mazuva ano hazvishamise kunzwa munhau zuva nezuva pamusoro pevechidiki vari kupara mhosva dzakasiyana uye kazhinji zvichikozerwa nekushandisa zvinodhaka.
Izvi hazvinei nekuti vanakomana kana kuti vanasikana here nekuti vose vave kungotora zvinodhaka.
Vamwe vari kusvika pakufa zvichikonzerwa nezvinodhaka izvi.
Zvinotorovesa hana kuti zvino kana vechidiki voita katsika kakaipa aka remangwana renyika ino richazovei.
Ichokwadi kuti kushandiswa kwezvinodhaka kwakagara kuriko kubva kare, asi iko zvino kwanyanya sezvo huwandu hwevanhu vari kutora zvinodhaka izvi huri kuramba huchiwedzera.
Chimwe chiri kukahadzisa ndechekuti kare zvinodhaka zvaiwanzotorwa nevanhu vaionekwa sevarombo zvichinzi yaive nzira yekuti vakanganwe nhamo dzavo.
Asi nhasi uno kunyangwe vanhu vane mabasa epamusoro akadai sevarairidzi, vatori venhau, madhokotera pamwe nanamukoti vari kuonekwa vachishandisa zvinodhaka.
Chimwe chiri kunetsa pakurwisa dambudziko ratekeshera munyika iri ndechekuti zvinodhaka izvi zviri kuwanikwa nyore uye kazhinji nemitengo yakaderera zvakanyanya zvinoita kuti vanoda kuzvishandisa vazvitenge.
Zvinodhaka zviri kuuya nemhando dzinosanganisira mbanje, heroin, cocaine nemethamphetamine (crystal meth) iyo inonyanya kuzivikanwa seguka makafela kana kuti mutoriro.
Pave neimwe nzira zvekare inozivikanwa nekunzi “bluetooth” apo ropa remunhu anonyanya kushandisa zvinodhaka rinotorwa, poshandiswa majekiseni kubaya vamwe ropa iroro kuti vadhakwewo.
Kuita kwakadai kuri kuisa vechidiki panjodzi yekubatwa nezvirwere zvakasiyana nekuti hapana anenge ambovheneka ropa rinozobaiwa vamwe kuti rionekwe kuti rakamira sei.
Zvinotoshamisa kuti kune vamwe vari kuita dambe neupenyu hwavo nekushandisa nzira dzakadai mukutora zvinodhaka.
Zvikonzero zviri kuita kuti vechidiki vatore zvinodhaka zvinosanganisira kufurirwa nevamwe vavo, kushaya munhu anopanga mazano akanaka zvichitevera kuparara kwemhuri apo vabereki vanogona kurambana pamwe nekushaya zvekuita.
Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti vanhu vanosvika 450 miriyoni pasi rose vane dambudziko rine chekuita nekukanganisika kwepfungwa.
MuZimbabwe vanhu vanodarika 1,3 miriyoni vanonziwo vakatarisana nedambudziko rimwe chete iri.
Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inotaridza kuti munhu akanyanya kutora zvinodhaka zvakadai sembanje anopedzisira okanganisika mumafungiro ake kusvikira pakuzove nedambudziko rechirwere chepfungwa.
Kutorwa kwezvinodhaka hakukanganise vari kuzvitora chete asi kuti nevasingatorewo nekuda kwekuti munhu ari kushandisa zvinodhaka anogona kuita mhirizhonga munharaunda, kuba, kubata chibharo kana kuponda chaiko. Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti munhu wose ane basa rekurwisa dambudziko iri iro radzika midzi munyika.
Vemachechi, zvikoro nenharaunda vane basa guru rekubatana neHurumende nemamwe mapoka mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka.
Sezvo zvimwe zvezvinodhaka izvi zviri kubva kunze, zvinorevawo kuti Hurumende inofanirwa kuramba ichisimbaradza zvirongwa zvekurwisa dambudziko iri yakabatana nedzimwe nyika dzakapoteredza.