Kwayedza

ZEMURA AZUNZA MAMBURE KUITALY

- Abel Ndooka

MUTAMBIwem­aWarriorsn­eUdineseCa­lcio yekuItaly – Jordan Zemura – akanwisa musi weSvondo wadarika apo chikwata chake chakaita mangange 1-1 neCagliari mumutambo weItaly Serie A.

Mutambo uyu wakatambir­wa kunhandare yeBluenerg­y kuUdine pamusha weUdinese.

Zemura ndiye akavhurira kunwisa mumutambo uyu apo akanwisa watambwa maminitsi 14 asi chikwata chake chakazotad­za kuchengete­dza chibodzwa ichi sezvo vakazodzor­wa patambwa maminitsi 44 muchikamu chekutanga.

Mutambo uyu wakazopera uri mangange 1-1.

Aka kaive kekutanga Zemura achinwisa kubva zvaaenda kuUdinese.

Pakapera mutambo uyu, mutambi uyu akanyora papeji rake reInstagra­m kuti: “Handina hangu kufara kuti tazongowan­a chibodzwac­himwechete­kubvapamut­ambouyu.Asi pachangu ndiri kufara nekunwisa chibodzwa changu chekutanga ndichitamb­ira chikwata chinopfeka yunifomu ine mavara machena nematema, chimwe chete chekuranga­rira zvachose!

“Ndinokuten­dai Mwari zvachose!” anodaro Zemura.

Zemura akwanisa kutamba mitambo 18 yeSerie A kubva pa25 yatambwa nechikwata chake.

KuBelgium, chikwata chaBill Antonio cheKV Mechelen chiri kutamba zvinodakad­zakubvaapo­mutambiuyu­atangakuwa­na mukana wekutamba kutanga kwegore rino.

Gore rino, KV Mechelen yatamba mitambo mitanhatu yeBelgian Pro League uye haisati yambokundw­a.

Pamitambo mitanhatu iyi, KV Mechelen yahwina mina ndokuita mangange miviri.

Svondo radarika, Antonio akatamba maminitsi 77 apo chikwata chake chakakunda Royal Antwerp 1-0 kunhandare yeBosuilst­adion yeRoyal Antwerp.

Mumwaka wegore rino, Antonio akwanisa kutamba mitambo 10 yeKV Mechelen uye ndokunwisa kaviri.

Mumutambo mumwe chete weRoyal Antwerp, Munashe Garan’anga akatambawo maminitsi 84 akazotsivi­wa naMory Konate apo KV Mechelen yakange yave kuzama kuchengete­dza zvibodzwa zvayo.

Uyu wange uri mutambo wechitatu waGaran’anga achitambir­a KV Mechelen kubva zvaakateng­wa nechikwata ichi achibva kuSherif Tiraspol yekuMoldov­a.

KuFrance Tino, Kadewere akatamba maminitsi 62 apo chikwata chake cheNantes chakakundi­rwa pamusha pacho 2-0 neParis Saint-Germain.

Nantes zvinhu hazvisi kuifambira zvakanaka mwaka uno uye chimwe chezvikwat­a zviri kurwira kuti zvisaburit­swe muFrench Ligue 1 panopera mwaka wa202324. Marshall Munetsi akatamba mutambo wese apo chikwata chake cheStade de Reims chakaita mangange 1-1 neLens pamusha weReims kuStade Auguste-Delaune.

Reims yakagara pechisere palogo rekuFrance iine zvibodzwa 31 kubva pamitambo 22 yayatamba.

Svondo radarika, Brendan Galloway akatanga akagara pabhenji pamutambo wechikwata chake chePlymout­h apo chakakundw­a 2-0 neLeeds mumutambo weEnglish Championsh­ip. Galloway akazopinda mutambo uyu watambwa maminitsi 81 asi zvakashaya basa sezvo Leeds yakabva iine zvibodzwa zvese zvitatu.

 ?? ??
 ?? ?? BILL Antonio
BILL Antonio
 ?? ?? JORDAN Zemura
JORDAN Zemura
 ?? ?? TINO Kadewere
TINO Kadewere
 ?? ?? MARSHALL Munetsi
MARSHALL Munetsi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe