Kwayedza

TINODA KHAMA: DYNAMOS

- Abel Ndooka

CHIKWATA cheDynamos FC chinoti chiri kuda mutambi wenhabvu ane mukurumbir­a – Khama Billiat – nekuda kwehunyanz­vi hwake kuti agochibats­ira mwaka uno apo vachakwikw­idza mumutambo weCAF Confederat­ions Cup.

Mumazuva adarika, mashoko ange achitender­era kuti Dynamos iri pakati pekuita hurukuro naBilliat kuti mutambi uyu agouya kuzoitambi­ra mwaka uri kutevera weCastle Premiershi­p.

Mutambi uyu pari zvino haana chikwata chaari kutambira nhabvu kubva zvaakabva kuKaizer Chiefs zvichiteve­ra kuramba kusayina kondirakit­i yaakange apihwa nechikwata chekuSouth Africa ichi.

Vazhinji vaitarisir­a kuti pachauya zvikwata zvakawanda zvichizoza­ma kutenga mutambi uyu zvichiteve­ra kubva kwaakaita kuAmaKhosi asi hakuna chakamuten­ga izvo zvaona mwaka wa2023-24 asiri kutamba nhabvu kuSouth Africa.

Asi muhurukuro neKwayedza svondo rino, murairirid­zi weDeMbare – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – anoti chikwata chavo chiri kuzama nepachinog­ona kutsvetera Billiat kuti auye kuDynamos mwaka uri kutevera.

“Hakuna asingazviz­ive kuti Khama Billiat mutambi mukuru uyo akatamba nhabvu yepamusoro ndokuhwina mikombe yakawanda ine chiremerer­a seCAF Champions League saka ane hunyanzvi uye hunyanzvi ihoho ndihwo tiri kuda agounza kuchikwata chedu.

“Kana akauya tinoziva achatibats­ira kusvike kure uye achapawo ruzivo rwake kune vamwe vatambi vemuchikwa­ta chedu izvo zvichazoti­batsira kusimukira,” anodaro.

Mangombe anoti sechikwata, vakatumira nhume kuna Billiat ine zvavakamuv­imbisa kuti vagonona kumuitira saka pari zvino vakamirira kunzwa kubva kwaari kuti anozvigamu­chira here.

“Isu takatumira Khama kondirakit­i saka takamirira kunzwa kubva kwaari kuti ari kuifarira here kana kuti ane zvaanoda kuti zviwedzerw­e pairi.

“Chatinoziv­a kuti ari kuda chaizvo kuuya kuDynamos uye isu tiri kumudawo. Ndechipi chikwata chisingade kuti Khama Billiat achitambir­e muno?” anodaro Mangombe.

Kana dhiri raBilliat rikabudiri­ra svondo rino, Mangombe anoti mutambi uyu haasi kuzotamba mumutambo weCastle Challenge Cup uyo uchaona Dynamos ichibandan­a neNgezi Platinum Stars musi weMugovera kuBaobab Stadium.

Anoti kana Billiat vakakwanis­a kumutenga svondo rino vachambomu­pa nguva yekuita gadziriro dzake semutambi ave nenguva asati ambotamba nhabvu.

“Tinoziva kuti vazhinji vange vachitaris­ira kuona Billiat achitamba svondo rino asi kana auya kuchikwata chedu, tinoda kutanga tambomupa nguva yekuti aite gadziriro dzake agosvika padanho rekutamba nhabvu yepamusoro iyo tinomuziva achitamba kwemakore.

“Sekuziva kwedu tose ange ave nenguva ndefu asati ambotamba nhabvu saka tinofanira kumupa nguva yekuita gadziriro dzake kusvika asvika padanho repamusoro rekutamba nhabvu,” anodaro Mangombe.

Billiat akakwanisa kutengwa neDeMbare anenge ave kudzoka kuzotambir­a nhabvu yake muno mushure mekupedza makore 13 achitambir­a kuSouth Africa.

Mutambi uyu akaenda kuSouth

Africa achibva kuCAPS United mugore ra2010 uko akanotanga kutambira chikwata cheAjax Cape Town kubva 2010 kusvika gore ra2013.

Akatamba nhabvu inonwisa mvura kuJax Cape Town akabva azotengwa neMamelodi Sundowns iyo akatambira kubva gore ra2012 kusvika 2018.

Ari kuchikwata ichi, akahwina mikombe yakawanda inosangani­sira Premier Soccer League katatu, CAF Champions League, CAF Super Cup, Nedbank Cup neTelkom Knockout pamwe chete nemubairo wePSL Player of the Season mugore ra2016.

Gore rino, DeMbare iri kudzoka mumitambo yemuAfrica zvichiteve­ra kuhwina kwayakaita mukombe weChibuku Super Cup mwaka wadarika.

 ?? ?? KHAMA Billiat
KHAMA Billiat
 ?? ??
 ?? ?? GENESIS Mangombe
GENESIS Mangombe
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe