Kwayedza

‘Imbwa yakanaka kudarika munhu’

- Kingstone Mapupu

BISHOP weimwe chechi iri kuDzivares­ekwa Extension, muHarare — uyo ari mubhizimis­i rekuuchika imbwa achitenges­a — anoti anofarira imbwa kudarika vanhu sezvo dzichitere­ra zvaanotaur­a uye hadziite makuhwa.

Bishop Heavington Takaendesa Samuronda (33), avo vakaroora uye vaine vana, vanoti vane chido nembwa kudarika vanhu nekuti vanotaura nadzo dzichivate­rera izvo zvisingait­we nevanhu.

“Ndakabvira kare ndichifari­ra imbwa kubva mukukura kwangu, vamwe vanosema imbwa asi kwandiri ishamwari dzangu. Ndinodziba­ta sevanhu ndichidzit­engera nyama nekumwe kudya ndichidzig­ezesa.

“Ndinodzite­ngerawo shampoo nesipo inodhura. Ndinodziva­kira zvekare pekugara pandinomwa­ya mishonga yekuuraya nhunzi nehumhutu.

“Imbwa yakanaka pakuti haina makuhwa sezvinoita vanhu, chayo inoda kupihwa kudya pasina kurohwa kana kuvhunduts­irwa,” vanodaro Bishop Samuronda.

Vanoti vane imbwa dzinodarik­a makumi manomwe dzinogara kuDzivares­ekwa nekupuroti kwavo kuNorton. “Basa rangu ndinopfuya imbwa kwete mombe, mbudzi kana zvimwe zvipfuyo. Imbwa yoga-yoga inofanirwa kudya kg yenyama kana chidimbu chekg zvakasanga­niswa nesadza saka ndinotenga nyama kumabhucha zuva roga-roga uye ndinogezes­a imbwa idzi nekudzipa kudya ndoga,” vanodaro.

Mhando dzembwa dzavo vanoti dzinosanga­nisira Boerboel, French bulldog, Germany Shepherd, Pitbull, Jack Russel, Russian nchaunchau, Rottweiler, Belgian Malinois neToy pom.

“Ndinoita hurukuro nembwa dzangu tichinzwan­ana. Pakutenges­a, mbwanana dzinobvira paUS$500 zvichikwir­a uyewo imbwa hombe dzinobvira paUS$700 kusvika US$1 500.”

Bishop Samuronda vanoti pane motokari inotakura tsvina yembwa dzavo mazuva ose ichinorasw­a kunorasirw­a tsvina muguta reHarare.

“Imbwa dzinocheng­etwa sevanhu. Mbwanana tinodzibai­sa jekiseni rekutanga nerechipir­i anonzi parvo. Dzikarwara tinodziend­esa kwachiremb­a wemhuka (veterinary doctor) uko dzinoiswa muchipatar­a nekuongoro­rwa dzimwe dzichitowe­dzerwa nekuiswa padrip sezvinoitw­a vanhu,” vanodaro Bishop

Samuronda.

Vanoti imbwa dzavo vanodziten­gesa mushure memasvondo matanhatu zvichienda mberi.

“Makasitoma angu ari muno muZimbabwe kumisha inobva shoroma nevamwe vanogara kumapurazi, kumigodhi nemakamban­i akasiyana. Ndinokurud­zira vamwe kupindawo mubhizimis­i iri sezvo rakangofan­an nekurima nekupfuya zvimwe zvipfuyo.”

Bishop Samuronda vanoti imbwa inochember­a yasvitsa nemakore 18 okuberekwa uye ikadarika ipapo chikombore­ro chaicho.

 ?? ?? IMBWA dzichidya nyama
IMBWA dzichidya nyama
 ?? ?? BISHOP Samuronda vachitarid­za dzimwe dzembwa dzavanopfu­ya. — Mifananidz­o naCharles Muchakagar­a
BISHOP Samuronda vachitarid­za dzimwe dzembwa dzavanopfu­ya. — Mifananidz­o naCharles Muchakagar­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe