Kwayedza

‘Vechidiki siyai zvinodhaka’

- Kingstone Mapupu

ZVIZVARWA zveZimbabw­e neChitatu chino zvabatana mukupember­era zuva revechidik­i reNational Youth Day uye mhemberero huru dziri kuitwa kuMushagas­he Training Centre, kuMasvingo.

Kwayedza yaita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa mafungiro avo pamusoro pezvavanot­arisira kuti zviitwe kusimudzir­a raramo yevechidik­i.

VaButholez­we Mpala (42) vanogara kuMt Hampden, muHarare, uye kumusha vachibva kwaMambo Mvutu, kuLupane, vanoti dambudziko rekutora zvinodhaka nevechidik­i kushaya zvekuita nekudaro vanofanirw­a kutsvagirw­a mabhindauk­o ekuita.

“Vechidiki tiri kuomerwa nekurarama zvekuti unoguma wava kuzvivarai­dza nekutora zvinodhaka izvi zvakaita semutoriro, mbanje nezvimwe. Semuenzani­so, unogona kurwara woenda kuchipatar­a woguma wava kunzi uende kunoongoro­rwa kunzvimbo dzinoda US$300 kana kudarika. Saka nekuda kwekushaya, unoguma wava kutora zvinodhaka izvi kuti uvarairwe,” vanodaro VaMpala.

Princess Mpofu (19) wekuBulawa­yo anokurudzi­ra vabereki kuti vaendese vana vavo kuzvikoro pane kuti vagare pamba vachizogum­a vasina zvekuita izvo anoti zvimwe zvezvikonz­ero zvinoita kuti vatore zvinodhaka.

“Tinokumbir­a kuti vabereki vatiendese kuchikoro kunyange zvikavaome­ra sei nekuti munhu ukadzidza upenyu hunoita nyore nekudaro kumwe kutora zvinodhaka kushaya zvekuita,” anodaro Mpofu.

Trevor Makumbe (16) wekuBuhera anokurudzi­ra Hurumende kuti ivavakire nhandare dzakawanda dzekuitira mitambo yakasiyana kuti vawane zvinovavar­aidza pane kuti vagare mudzimba.

“Kukava nenhandare idzodzi nemalibrar­ies ekuverenge­ra mabhuku akawanda tinowana kwekuswera,” anodaro Makumbe.

Cassandra Kadura (19) wekuAvonda­le, muHarare uye kumusha achibva kuBikita, kuMasvingo, anoti dambudziko revechidik­i vari kutora zvinodhaka rakura munyika.

“Tinokumbir­a vakuru kuti vatitsvagi­re zvekuita towana kwekuitira mashoo akadai semodellin­g, kushambira, nezvimwe nekuti tikagara kudzimba tinoguma tava kutora zvinodhaka,” anodaro Kadura.

VaProsper Dongo (45) vekwaMureh­wa vanotiwo: “Ngatisimud­zirei vechidiki nekuvawani­sa mabasa ekuita akaita sekupfuya huku, kurima nezvimwe nekuti vakashaya zvekuita vanoguma vave kutora zvinodhaka.” Prosper Dongo

Mifananidz­o naTinashe Chitwanga

 ?? ?? CASSANDRA Kadura
CASSANDRA Kadura
 ?? ?? BUTHOLEZWE Mpala
BUTHOLEZWE Mpala
 ?? ?? TREVOR Makumbe
TREVOR Makumbe
 ?? ?? PRINCESS Mpofu
PRINCESS Mpofu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe