Kwayedza

Orumwa nekuitirwa madororo neshiri

- Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuEpworth — asi kumusha achibva kwaMambo Tangwena, kuNyanga — anoti haana rugare nekuda kweshiri dzerudzi rwekuwe idzo dzinogara dzichimuta­ndanisa nekumundur­ira kumuruma uye kumuitira madororo.

Tawanda Makunya Mazire (28) anoti baba naamai vake vakaramban­a zvikazoita kuti anokurira kwaSabhuku Muziti, kudunhu raMambo Makoni, kunova kumusha kwaamai vake.

Anoti akazotamir­a kuChiweshe uko akazobva nekuda kwekurwisw­a neshiri idzi.

Mazire anoti dambudziko iri rakatanga ari kuchikoro apo aingoona shiri idzi dzichimhar­a pedyo naye pasina kumutya kusvikira dzava kumumhara mumusoro chaimo iye achitiza.

“Dambudziko iri rasvitsa makore anodarika gumi nemashanu ndichingod­zingirirwa nekuwe idzi. Ndinongoer­ekana ndava kudziona dzamhara pamiti iri pedyo neni dzakandita­risa. Nguva zhinji dzinofamba dziri nomwe uye ndikangodz­itarisa dzinobva dzabhururu­ka kunanga kwandiri dzichida kundimhara mumusoro dzotanga kundiruma.”

Mazire anoti shiri idzi padzinomud­zingirira dzichimuru­ma, dzinenge dzichiita ruzha rwekuchema.

“Kana ndiri pamba, shiri idzi dzinouya dzomhara chinhambwe chemamita kana gumi dzakandita­risa. Ndikangoda kusimuka dzinouya dzose dzotanga kundiruma. Kunyangwe kubasa dzinondite­vera izvo zvakonzera kuti nditadze kuenda kumabasa sezvo vandinosha­ndira vakaona izvi vanobva vandidzing­a,” anodaro.

Mazire anoti akaedza kudzipotse­ra nematombo dzinombota­ramuka dzichidzok­a nenguva pfupi-pfupi.

“Ndakambosh­anda nzvimbo dzakasiyan­a muHarare asi ndakaburit­siswa basa nekuda kweshiri idzi apo dzaisvika dzondikomb­a dzichindir­uma zvaikonzer­a vamwe vashandi kutiza. Kumusha kuChiweshe ndakatiza shiri idzi ndava kubvunzwa nevakuru veko kuti zvaimbofam­ba sei.”

Murume uyu anoti akambotiza munyika muno ndokuenda kuBotswana uko akanowana basa asi shiri idzi dzaingomut­evera dzichimuru­ma ikoko.

“Shiri idzi dzakandite­vera kuBotswana uko dzaindirum­a mazuva ose ndiri pabasa nekumba kudzimara ndakaona zvakakodze­ra kuti ndidzoke kumusha. Kunze kwekurumwa neshiri idzi, ndine munyama wekuti hapana chandinoit­a chinofamba. Ndikapfimb­a musikana handigone kupedza mazuva tisati tarambana.

“Kwandinofa­mba kungava kun’anga kana kumaporofi­ta vanoti kuroyiwa,” anodaro Mazire.

Kunze kwekurumwa, anoti dzinomuiti­rawo madororo panguva iyo dzinomutan­danisa.

“Shiri idzi hadzina nguva, dzinotanga kubvira mangwanani kuma6 kusvika manheru kuma6. Husiku ndarara hadziuye.

“Nyaya iyi ndakaitaur­ira vanababa vangu vakanditi zvichapera. Shiri idzi dzinoonekw­awo nevamwe vanhu uye ndedzeblue nebrown. Ndatambura, ndinoda kubatsirwa.”

Mazire anoti ari kutadza kuroora nekuda kwezvikonz­ero zvinosanga­nisira kushaya vasikana vaanofambi­dzana navo nekushayaw­o mari. Prophet Miracle Paul vechechi yeRevelati­on Ministries vanoti murume uyu anoona seshiri dzinomudzi­ngirira nyambisirw­a zvidhoma.

“Nyaya hombe iripo tinoti ngaabatsir­we nekukasika,” vanodaro Prophet Miracle Paul.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Kanengo, VaJimson Nyasala, vemuHarare vachiti: “Izvi zvidhoma kana kuti tokoloshi, akatadza kubatsirwa nenguva anofa.”

Sekuru Bonface Muponda Katerere vekuUzumba kwaMurehwa vanotiwo murume uyu akashandis­irwa mushonga wekutsvaga mari nevehukama.

“Murume uyu ari kushandisw­a kutsvagisw­a mari nevehukama uye shiri dzaanoona idzi inzira yekuwanikw­a mari kunoitwa nevamwe vehukama,” vanodaro Sekuru Katerere.

 ?? ?? TAWANDA Makunya Mazire - Mifananidz­o naCharles Muchakagar­a
TAWANDA Makunya Mazire - Mifananidz­o naCharles Muchakagar­a
 ?? ?? PROPHET Miracle Paul
PROPHET Miracle Paul
 ?? ?? SEKURU Katerere
SEKURU Katerere
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe