Kwayedza

Eto’o hapana kwaunoenda: Fecafoot

-

SANGANO reCameroon Football Federation (Fecafoot) rakaramba kugamuchir­a tsamba yaSamuel Eto’o uyo aida kusiya basa rekutungam­ira boka iri.

Eto’o, mumwe wevatambi venhabvu vakaita mukurumbir­a kubva kuCameroon uye akanwisa ka56 pamitambo 118 yaakatambi­ra nyika yake.

Mushure mekusendek­a shangu dzenhabvu — izvo zvakamuona achitambir­a zvikwata zvinosanga­nisira Barcelona, Inter Milan neChelsea akakwanisa kuhwina mikombe inosangani­sira Champions League katatu neAFCON kaviri — akazogadzw­a pachigaro chemutunga­miri weFecafoot munaZvita 2021.

Zvisinei, hutungamir­i hwake hwange husiri kufamba chaizvo mumakore maviri adarika nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Semuenzani­so, Eto’o anonzi ane daka risingaper­e nemubati wepagedhi Andre Onana izvo zvaona mutambi weMan United uyu asingaonan­e nevatambi vazhinji veCameroon.

Daka iri rakaona mutambi uyu (27) achidzingw­a kubva muchikwata cheCameroo­n icho chaive kuWorld Cup mugore ra2022.

Izvi zvakazoona mutambi uyu achisendek­a jezi rekutambir­a nyika yake asi akazoshand­ura pfungwa dzake akadzoka.

Akabatanid­zirwa munyaya yemhirizho­nga nemumwe mutsigiri wenhabvu kuQatar, ukuwo bepanhau reThe Athletic rinotaura kuti Eto’o nevashandi vake vepedyo vari kupomerwa mhosva yehuwori yekutenges­a mitambo, hudzvanyir­iri achishandi­sa masimba ake zvisina kunaka, kutyisidzi­ra vamwe, kukurudzir­a mhirizhong­a nekufambis­a mashoko enhema munyika yeCameroon uye zvinonzi CAF iri kuongorora nyaya idzi.

Eto’o nemagweta ake vakamboram­ba nyaya idzi dzaitender­era vachiti “mashoko enhema”.

Zvichakada­ro, akabvuma mhosva yekubiridz­ira mutero mari inosvika $3.8 miriyoni munaChikum­i 2022 izvo zvakabuda panyaya yekushandi­swa kwemifanan­idzo yake (image rights) ari kuBarcelon­a.

Eto’o akapihwa mutongo wekugara mujeri kwemwedzi 22 iyo yese yakasendek­wa parutivi ndokubhadh­ariswa faindi ye$1.8m (£1.4m).

Zvakadaro, muchinyorw­a chakatumir­wa musi weMuvhuro, Fecafoot yakazivisa kuti yakaramba kugamuchir­a kuti Eto’o asiye basa.

“Executive Committee yeCameroon Football Federation yakaita musangano musi weMuvhuro uno, Kukadzi 5 kuYaounde Hilton Hotel,” inodaro Fecafoot.

“Chirongwa chaive chakananga­na nekuongoro­ra matambiro echikwata chenyika chevarume kumakwikwi e2023 Africa Cup of Nations kuIvory Coast.

“Pakutanga kwemusanga­no, mutungamir­iri weCameroon Football Federation, Eto’o Fils Samuel, akasiya basa pamberi penhengo dzemubatan­idzwa wefederal executive organ ndokukoka vamwe vese kuti vamutevedz­ere.

“Pakupera kwemusanga­no wedu nedzimwe nhaurirano dzakazotev­era, nhengo dzeexecuti­ve committee dzakabvumi­rana kuramba vachishand­a basa ravo ndokuramba kugamuchir­a tsamba yemutungam­iriri yekuda kusiya basa.

“Nekudaro vakarakidz­a kuti vanoda kuramba vane chivimbo maari kuti arambe achiendere­ra mberi nekusimudz­ira nhabvu yemuCamero­on pamatanho ese sezvakaron­gwa muchirongw­a chake chakagamuc­hirwa nesarudzo General Assembly yaZvita 11, 2021.” − SportsMail Football.

 ?? ?? SAMUEL Eto’o
SAMUEL Eto’o

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe