Kwayedza

Baba vamitisa mwanasikan­a

- Danisa Masuku

MURUME ane makore 51 ekuberekwa anogara kuHeaney Junction, kuUmguza, mudunhu reMatabele­land North — uyo ari kupomerwa mhosva yekubata mwanasikan­a wake chibharo kusvikira abata pamuviri — akashamisa dare reBulawayo Magistrate’s Court apo akati anodanana nemwana uyu.

Murume uyu, uyo asingakwan­ise kuburitswa zita rake senzira yekuchenge­tedza mwanasikan­a uyu, akamiswa pamberi pemutongi VaMatthew Mutiro achipomerw­a mhosva yekubata chibharo. Haana kuramba mhosva yake sezvo achiti aidanana nemwanasik­ana wake uyo akamukumbi­ra kuti vashereket­e vose kumba kwavo.

Murume uyu akanzi agare muhusungwa kusvika musi wa8 Kukadzi apo anozopihwa mutongo.

Achitaura mudare, murume uyu anoti nemusi wa22 Zvita gore rakapera, akadzokera kumba manheru ndokuwana mwanasikan­a wake akarara pamubhedha muimba yababa yekurara.

Anoti akamumutsa kuti arare muimba yekubikira. Pakarepo, pfungwa dzakaipa dzakazadza musoro wake akabva amuvhariri­dza kuti asabude.

Nekusanyar­a, murume uyu anoti vakadyisan­a machipisi nemwanasik­ana wake pashure ndokuzomum­hirizhonga.

Murume uyu anodura kuti izvi zvakadzoko­roreka kwemazuva achipa mwana uyu machipisi.

Anoti mwanasikan­a wake akazomuka husiku ndokunomha­n’ara nyaya iyi kune mumwe anoshanda nekomiti inoona nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da yavo (neighbourh­ood watch committee) zvikaita kuti asungwe.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa22 Zvita gore rapera, mudzimai wemurume uyu akabva pamba achienda kuMasvingo kuzororo reKirisima­si.

Mwanasikan­a uyu akasiiwa achichenge­twa nababa vake uye pamba pakanga pasina vamwe vanhu.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe