Kwayedza

GORIMBO ORUMBIDZWA: MITAMBO TAKE MONEY ORONGERA MABHANDE EWBC

- Abel Ndooka

CHIKWATA chemutambi wetsiva wechidzima­i ane bhande reWorld Boxing Council Interim Title – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – chinoti shasha iyi yave kutanga gadziriro yakatarisa­na negore iro vanotarisi­ra zvikuru kubva kwaari sezvo anoda kurwira mabhande makuru eWBC.

Gore radarika, Chiwandire akarwa ndokukundw­a naYamileth Mercado wekuMexico apo airwira bhande raive naMercado reWBC Super-bantamweig­ht.

Rwendo rwake kuenda kumutambo uyu nezvakazoi­tika kunyika yeMexico hazvina kufadza chikwata chake uye nevariridz­i vake avo vakanyorer­a kuWorld Boxing Council vachipa zvinyunyut­o zvavo.

Muhurukuro, murairidzi waTake Money arizve maneja wake – Clyde Musonda weDeltafor­ce Boxing

Academy – anoti gore rino vari kuronga kuti Chaiwandir­e azame kurwira zvekare bhande reWBC sezvo mutambo wekupedzis­ira uyo aida kurwira bhande iri wakange usina kurongwa nemazvo zvisina kuvafadza.

“Gore rino, tine hurongwa hwaTake Money nekuti tiri kuda kuti tirwire zvekare bhande reWBC nekuti mutambo wake wekupedzis­ira hauna kutifadza nekuti zvakaitika zvakange zvisina kunaka,” anodaro Musonda.

Anoti kutanga munaKubvum­bi, Chiwandire achatamba mitambo yakasiyana.

“Kutanga munaKubvum­bi, Take Money acharwa mitambo yakasiyana ichabatsir­a kuti asimukire segadzirir­o rerwendo rwekurwira mabhande akasiyana.

“Mitambo iyi yakakosha uye tinoda kuti agorwa nevatambi vepamusoro

Musonda.

Gore radarika, Take Money aifanirwa kurwa naUrvashi Singh wekuIndia mumutambo uyo waifanira kutambirwa kuAustrali­a asi wakazotadz­a kubudirira sezvo magwaro ake (Take Money) ekufambisa asina kubuda nenguva.

Musonda anoti chikwata chavo chiri muhurukuro nechaSingh kuti mutambo uyu ugotambirw­a kuIndia gore mumwedzi inotevera.

“Kutaura kuno tiri muhurukuro nechikwata chaSingh kuti tironge patsva mutambo wevatambi vedu sezvo gore radarika pataida kuronga mutambo wevaviri ava wakatadza kubudirira nekuda kwezvikonz­ero zvakatitad­zisa.

“Saka mutambo waSingh uriko munguva pfupi inotevera uye tichaenda kunotamba naye kunyika yake kuIndia,” anodaro Musonda chete,” anodaro

 ?? ?? KUDAKWASHE Chiwandire
KUDAKWASHE Chiwandire

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe