Kwayedza

Mapositori obvuma nhomba yecholera

- Muchaneta Chimuka

VEMACHECHI echiposito­ri vari kugamuchir­a chirongwa cheHurumen­de chekudonhe­dzerwa nhomba dzekudzivi­rira chirwere checholera icho chatekeshe­ra mumatunhu akawanda enyika.

Izvi zvinotever­a kuenda kwavakaita nehuwandu pachirongw­a chekuparur­wa kwenhomba yedenda iri paKuwadzan­a Poly Clinic, kuKuwadzan­a, muHarare, nemusi weMuvhuro.

Vaive pachiitiko ichi vanosangan­isira Dr Maxwell Hove vanova chief director curative services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana avo vakaparura chirongwa chekudonhe­dzerwa kwenhomba yekudzivir­ira cholera.

Gurukota rinomirira Harare Metropolit­an, Cde Charles Tavengwa, ndivo vaive vakamirira gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, pachirongw­a ichi.

Zimbabwe yakatsigir­wa nemishonga yenhomba yekudzivir­ira cholera nemasangan­o anosangani­sira UNICEF neWorld Health Organisati­on (WHO).

Pasi pechirongw­a ichi, vanhu vanosvika 2,3 miriyoni vane gore rimwe chete rekuberekw­a zvichikwir­a uye vari munzvimbo dziri kunyanya kunetsa cholera vanotarisi­rwa kudonhedze­rwa nhomba dzekudzivi­rira chirwere ichi.

Vamwe vemachechi echiposito­ri vaive pachirongw­a ichi vanopupura kuti chakakosha sezvo chichibats­ira mukuchenge­tedza upenyu.

“Ini ndinopinda Johanne Masowe yeNguwo Tsvuku, ndiri mugari wemuKuwadz­ana uye ndiri behaviour change facilitato­r. Ndinofara zvikuru nedanho ratorwa neHurumend­e kuti tidonhedze­rwe nhomba dzekudzivi­rira cholera nekuti kudzivirir­a kwakakosha pane kuzorapwa.

‘‘Tiri kuenderera mberi nekudzidzi­sa vanhu munharaund­a nevamwe vatinonama­ta navo nezvekudzi­virira chirwere ichi uye matanho akakosha sekuchenge­tedza nharaunda dzakachena nekudonhed­zerwa nhomba,” vanodaro Mai Cecilia Nyarira.

Mai Sabhina Mtengiswa, avo vanova zvekare behaviour change facilitato­r, vanoti kudonhedze­rwa nhomba yecholera kana kubaiwa jekiseni reCovid-19 zvose hazvibvisi munhu pakunamata.

“Chakakosha mwoyo wemunhu nekuti kana kuchine vafundisi vanofurira vanhu kuti vasabaiwa ivo vachizouya nerweseri vachidzivi­rirwa tinoti hunenge hwava hutsinye kana humhondi chaihwo nekuti nhomba idzi dziripo pakuchenge­tedza upenyu.

‘‘Chirwere checholera chinouraya mukati menguva dikidiki nokudaro dzidziso inofanira kufamba muruzhinji,” vanodaro.

Patience Kuzhazha wemuHarare anoti nhomba yecholera yauya panguva yakanaka apo veruzhinji vari kutambudzw­a nechirwere ichi.

Petricia Chiweweta, uyo anova community health promoter, anoti kana pachinge paita murwere ane manyoka, zvakakosha kuti akurumidze kuwaniswa mvura yemunyu neshuga yakafashai­dzwa iyo anonwa ari munzira kuenda kuchipatar­a kuti asanyanya kurasikirw­a nemvura yemumuviri.

 ?? ?? VAMWE vatendi vechiposit­ori vaive pachirongw­a chekuparur­wa kwenhomba yekudzivir­ira chirwere cholera
VAMWE vatendi vechiposit­ori vaive pachirongw­a chekuparur­wa kwenhomba yekudzivir­ira chirwere cholera
 ?? ?? CECILIA Nyarira
CECILIA Nyarira
 ?? ?? PETRICIA Chiwewete
PETRICIA Chiwewete
 ?? ?? SABHINAH Mtengiswa
SABHINAH Mtengiswa
 ?? ?? PATIENCE Kuzhazha
PATIENCE Kuzhazha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe