Kwayedza

Zvibvunze usati warasa marara

- MAONERO EDU

DAMBUDZIKO revanhu vanorasira marara posepose iguru mumadhorob­ha nemaguta munyika muno, kunyanya muHarare.

Marara ari kungorasir­wa munzvimbo dzisina kukodzera izvo zvine njodzi yekukonzer­a kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka zvinosanga­nisira cholera.

Pari zvino cholera iri kupararira kumatunhu akawanda enyika uye denda iri rinonzi riri kunetsa muHarare nekuManica­land.

Cholera chirwere chinokwani­sika kudzivirir­wa sezvo chichikonz­erwa nehuchapa.

Hurumende nemapoka anosangani­sira Environmen­tal Management Agency (EMA) vari kushanda siku nesikati kuona kuti nharaunda dzagara dzakachena uye donzvo guru riri rekudzivir­ira kunyuka kwezvirwer­e.

Nguva pfupi yadarika, Hurumende yakaparura chirongwa che”Operation Chenesa Harare” chakananga kuona kuti nharaunda dzinogara dzakachena.

Chirongwa ichi chiri kubatsira zvakanyany­a mukuchenes­a guta iri kusanganis­ira nzvimbo dzinogara veruzhinji.

Asi chinoshami­sa ndechekuti zvisinei nebasa guru riri kuitwa neHurumend­e yakabatana nemamwe mapoka, kune vamwe vanhu vasina hanya avo vanoramba vachirasir­a marara pose-pose.

Ichi ndicho chikonzero Hurumende munguva pfupi inotevera iri kuda kudzika mutemo unoranga zvakaomara­ra vanhu vanorasira marara panzvimbo dzisina kukodzera nevemakanz­uru vasingatak­ure marara nenguva.

Pasi pemutemo mutsva uyu, vemakanzur­u vasiri kutakura marara munharaund­a vachabhadh­ariswa faindi yeUS$5 000.

Nerimwewo divi, vanhu vanorasira marara pose-pose vachabhadh­ariswawo faindi yeUS$500 kana kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Izvi zviri mugwaro remutemo reStatutor­y Instrument (SI) iro richaitawo kuti chirongwa chekuchene­sa nyika, icho chinoitwa neChishanu chekutanga chemwedzi, chive chisungo uye vasingachi­tevedze vachabhadh­ariswa faindi yeUS$2 000.

Kune vamwe vanhu vanogona kuona sekuti faindi yeUS$500 yakawandis­a kuti munhu aibhadhari­swe kana abatwa nemhosva yekurasira marara pose-pose.

Asi semaonero edu, Hurumende yakauya nematanho aya mushure mekuona kudzika midzi kwaita dambudziko revanhu vanorasira marara munzvimbo dzisina kukodzera uye njodzi yekukonzer­a kupararira kwezvirwer­e zvakadai secholera.

Munhu ane pfungwa dzakati kwesere haangorasi­ra marara pose-pose uye iyi imhosva inoparwa nekuda kwekushaya hanya kuti nharaunda igare yakachena.

Faindi yeUS$500 inoita kuti munhu afunge katatu asati arasira marara panzvimbo isina kukodzera.

Nerimwewo divi, zvakakosha­wo kuti makanzuru emaguta nemadhorob­ha aone kuti mabhini aripo zvekuti munhu haapedzisi­re ave kufamba chinhambwe chakareba akangobata marara mumaoko achishaya pekuarasir­a.

Vemakanzur­uwo ngavaite basa sebasa nekutakura marara nenguva yakafanira kwete kuti anosvika pakuwora nekuve njodzi kuutano hweveruzhi­nji nekushaya anotakura.

Nyaya yekuchenge­tedza hutsanana nekuchenes­a nharaunda ibasa remunhu wose nekudaro zvinoda kuita muonerapam­we sechuma chemuzukur­u.

BASA rekuvakwa kwezambuko reMbudzi Traffic Interchang­e, muHarare rinonzi rinotarisi­rwa kupera munaChikun­guru gore rino

 ?? ??
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe