Kwayedza

Tsotsi radyiswa huku mbishi

- Chidochash­e Kossam

BASA roga-roga rine tsekwende dzinowanik­wa mukuriita . . . kana dai rehumbavha.

Mbavha yehuku yakazozvip­arira apo yakabatwa nemhomho yevanhu ichiba mumusha wePumula, kuBulawayo, ndokumanik­idzwa kudya huku iri mbishi zvose nemanhenga ayo.

Mbavha iyi inonzi yakachimbi­dza kukwachura-kwachura huku iyi ndokutanga kuidya apo yaive yataurirwa nemhomho yevanhu kuti kana ikasadaro, yaizoitwa kanyama-kanyama.

Zvinonzi yakaudza chaunga ichi kuti yaive yaba huku iyi sezvo yainge isina mari uye yakachobok­a nekuda kwe”January Disease” inove nguva apo vanhu vazhinji vanochema-chema nekushaya mari mushure mezororo reKirisima­si.

Asi mhomho yevanhu iyi haina kuda kunzwa tsitsi, ndokuimani­kidza kudya huku iri mbishi.

Mifananidz­o yemurume uyu achiruma huku mbishi uye achidya nememakush­e acho iri kutenderer­a zvakanyany­a padandemut­ande.

Vamwe vanoziva nezvenyaya iyi vanoti mbavha iyi yakabatwa ichiedza kutiza mushure mekuba huku.

Inonzi yakabatwa nevamwe vanhu vanochenge­tedza nzvimbo iyi munguva dzemanheru ndokunzi inofanirwa kudya huku iyi iri mbishi kana isingade kurikitwa kurohwa.

Mbavha iyi payaidya nyama iri mbishi uye ropa richichuru­ruka kubva pamuromo, pane vamwe vanhu vaivepo vaitora mavhidyo.

Murume uyu anonzi aimbomira kudya huku iyi akachidzwa neminhenga yacho, ozobva oendera mberi.

Mushure mekuzvindi­kita mbavha iyi, mhomho yevanhuyak­azoiregera ndokubva yaenda.

Mumwe mugari wemunzvimb­o iyi akaona chiitiko ichi anoti haafunge kuti mbavha iyi ichafa yakadya nyama yehuku kana imwe nyama chena (white meat) zvekare zvichiteve­ra pfumvu yayakaona apo yaidyiswa nyama mbishi.

Mumwewo anoti zvakaitwa kumbavha iyi chidzidzo chikuru chinoita kuti vamwe vane mweya wekuda kuba vatye.

 ?? ?? MBAVHA ichidya huku mbishi nemanhenga
MBAVHA ichidya huku mbishi nemanhenga
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe