Cholera inouraya, ngatizvidzivirirei
ZIMBABWE, yakabatana nemamwe mapoka anosanganisira UNICEF neWorld Health Organisation (WHO), nemusi weMuvhuro uno yakatanga chirongwa chekudzivirira veruzhinji kubva kuchirwere checholera kuburikidza nekuvadonhedzera nhomba.
Chirongwa ichi chakaparurwa kuKuwadzana, muHarare.
Nhomba iri kudonhedzerwa veruzhinji iyi inonzi Euvichol-Plus uye inogadzirwa neveEuBiologics.
Munhu anonhedzerwa kamwe chete anokwanisa kudzivirirwa kubva kuchirwere checholera kwemwedzi mitanhatu.
Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanosvika 2,3 miriyoni vane gore rimwe chete rekuberekwa zvichikwira vanotarisirwa kudonhedzerwa nhomba iyi mumaWard 160 kumadistricts 26 ayo ari kunyanya kunetsa chirwere ichi.
Nzvimbo idzi dziri kumatunhu anoti Harare, Mashonaland West, Mashonaland East, Mashonaland Central, Manicaland, Masvingo neMidlands.
Danho ratorwa neHurumende iri yakabatana nemamwe mapoka rakakosha zvakanyanya sezvo kubvira munaKukadzi gore rapera, vanhu vanodarika 20 000 vanofungidzirwa kuti vabatwa necholera uye vamwe vanodarika 400 vakatofa nedenda iri.
Zvakakosha kuti veruzhinji vatambire chirongwa ichi nemaoko maviri nekuti donzvo guru nderekuchengetedza utano hwavo.
Nhomba yekudzivirira cholera iyi haina njodzi kuutano hwevanhu uye yakaongororwa nenyanzvi dzezveutano pasi rose ikaonekwa kuti yakakodzera kuti vaidonhedzerwe.
Kunyangwe zvazvo nhomba iyi ichibatsira kudzivirira kuti munhu asabatwe necholera, hazvireve kuti mamwe matanho ekuti chirwere ichi chisarambe chichipararira haasisina basa sezvo achifanirwa kuramba achitevedzerwa.
Matanho aya anosanganisira kugara vanhu vachigeza maoko mushure mekushanyira chimbuzi kana kuti vasati vadya chikafu, kunwa mvura yakafashaidzwa nekuona kuti nzvimbo yavanogara yakashambidzika nguva dzose.
Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere zvavanoudzwa nenyanzvi dzezveutano mukudzivirira kupararira kwecholera.
Semuenzaniso, vanhu vanodarika 200 vanonzi vakabatwa nedenda iri nguva pfupi yadarika vari parufu rwemumwe sabhuku kuChiweshe uyo anonzi akange afa necholera.
Izvi zvakaitika mushure mekunge vanhu varega kutevedzevera zvavainge vaudzwa neveutano kuti vasaungane uye vasabatane maoko.
Zvinonzi pakangobva vezveutano vaiongorora mafambiro ezvinhu parufu urwu, senzira yekudzivirira kupararira kwecholera, vanhu vakabva vasara vachiungana uye kuita mabiko mushure mekuuraya mombe.
Chinoshamisa ndechekuti vakabatwa necholera ava vanonzi vanosanganisira madzishe, masadunhu nemasabhuku avo vanove vatungamiriri vanofanirwa kukurudzira veruzhinji kutevedzera matanho ekuzvidzivirira kubva kucholera.
Chirwere ichi hachizi chekuita dambe nacho sezvo chichikwanisa kuuraya munhu mukati menguva pfupi-pfupi.
Zimbabwe yakaita chirongwa chekutanga chekudonhedzera veruzhinji nhomba dzekudzivirira cholera muna2018 na2019 apo chirwere ichi chakanyuka ndokubata vanhu vanodarika 10 000 apo vamwe 69 vakafa.
MAHWINDI ekombi iyi, iyo yakanyorwa kumashure kwayo kuti ‘HANDITI TAKAKUTADZIRAI’ ari kuita madiro aJojina apo iri kufamba mumugwagwa Fidel Castro, muguta reHarare. -