Kwayedza

Cholera inouraya, ngatizvidz­ivirirei

- MAONERO EDU Mufananidz­o naTinashe Chitwanga

ZIMBABWE, yakabatana nemamwe mapoka anosangani­sira UNICEF neWorld Health Organisati­on (WHO), nemusi weMuvhuro uno yakatanga chirongwa chekudzivi­rira veruzhinji kubva kuchirwere checholera kuburikidz­a nekuvadonh­edzera nhomba.

Chirongwa ichi chakaparur­wa kuKuwadzan­a, muHarare.

Nhomba iri kudonhedze­rwa veruzhinji iyi inonzi Euvichol-Plus uye inogadzirw­a neveEuBiol­ogics.

Munhu anonhedzer­wa kamwe chete anokwanisa kudzivirir­wa kubva kuchirwere checholera kwemwedzi mitanhatu.

Pasi pechirongw­a ichi, vanhu vanosvika 2,3 miriyoni vane gore rimwe chete rekuberekw­a zvichikwir­a vanotarisi­rwa kudonhedze­rwa nhomba iyi mumaWard 160 kumadistri­cts 26 ayo ari kunyanya kunetsa chirwere ichi.

Nzvimbo idzi dziri kumatunhu anoti Harare, Mashonalan­d West, Mashonalan­d East, Mashonalan­d Central, Manicaland, Masvingo neMidlands.

Danho ratorwa neHurumend­e iri yakabatana nemamwe mapoka rakakosha zvakanyany­a sezvo kubvira munaKukadz­i gore rapera, vanhu vanodarika 20 000 vanofungid­zirwa kuti vabatwa necholera uye vamwe vanodarika 400 vakatofa nedenda iri.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatambire chirongwa ichi nemaoko maviri nekuti donzvo guru nderekuche­ngetedza utano hwavo.

Nhomba yekudzivir­ira cholera iyi haina njodzi kuutano hwevanhu uye yakaongoro­rwa nenyanzvi dzezveutan­o pasi rose ikaonekwa kuti yakakodzer­a kuti vaidonhedz­erwe.

Kunyangwe zvazvo nhomba iyi ichibatsir­a kudzivirir­a kuti munhu asabatwe necholera, hazvireve kuti mamwe matanho ekuti chirwere ichi chisarambe chichipara­rira haasisina basa sezvo achifanirw­a kuramba achitevedz­erwa.

Matanho aya anosangani­sira kugara vanhu vachigeza maoko mushure mekushanyi­ra chimbuzi kana kuti vasati vadya chikafu, kunwa mvura yakafashai­dzwa nekuona kuti nzvimbo yavanogara yakashambi­dzika nguva dzose.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e zvavanoudz­wa nenyanzvi dzezveutan­o mukudzivir­ira kupararira kwecholera.

Semuenzani­so, vanhu vanodarika 200 vanonzi vakabatwa nedenda iri nguva pfupi yadarika vari parufu rwemumwe sabhuku kuChiweshe uyo anonzi akange afa necholera.

Izvi zvakaitika mushure mekunge vanhu varega kutevedzev­era zvavainge vaudzwa neveutano kuti vasaungane uye vasabatane maoko.

Zvinonzi pakangobva vezveutano vaiongoror­a mafambiro ezvinhu parufu urwu, senzira yekudzivir­ira kupararira kwecholera, vanhu vakabva vasara vachiungan­a uye kuita mabiko mushure mekuuraya mombe.

Chinoshami­sa ndechekuti vakabatwa necholera ava vanonzi vanosangan­isira madzishe, masadunhu nemasabhuk­u avo vanove vatungamir­iri vanofanirw­a kukurudzir­a veruzhinji kutevedzer­a matanho ekuzvidziv­irira kubva kucholera.

Chirwere ichi hachizi chekuita dambe nacho sezvo chichikwan­isa kuuraya munhu mukati menguva pfupi-pfupi.

Zimbabwe yakaita chirongwa chekutanga chekudonhe­dzera veruzhinji nhomba dzekudzivi­rira cholera muna2018 na2019 apo chirwere ichi chakanyuka ndokubata vanhu vanodarika 10 000 apo vamwe 69 vakafa.

MAHWINDI ekombi iyi, iyo yakanyorwa kumashure kwayo kuti ‘HANDITI TAKAKUTADZ­IRAI’ ari kuita madiro aJojina apo iri kufamba mumugwagwa Fidel Castro, muguta reHarare. -

 ?? ??
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe