Vorumbidza ‘Operation Chenesa Harare’
VANHU vanodarika 200, vanosanganisira madzishe nemasabhuku, vanonzi vakabatwa nechirwere checholera kwaDambo, kuChiweshe, mudunhu reMashonaland Central mushure mekusatevedza zvavainge vaudzwa neveutano kuti vasaungana vakawanda, kubatana maoko nezvimwe senzira yekudzivirira kutapurirana denda iri.
Izvi zvakaziviswa naDr Cremence Tshuma vanova Provincial Medical Director (PMD) weMashonaland Central kuvatori venhau mushure mekushanyirwa kwenzvimbo iyi nebazi rezveutano nekurerwa kwevana apo vaiita ongororo nezvekukura kwedambudziko rezvirwere zvinoshairwa hanya.
“Munguva pfupi yadarika kune mumwe munhu ane mukurumbira akashaya nekuda kwechirwere checholera kuDambo, vanhu vemunharaunda vakaudzwa kuti vasaungana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi. Asi pakangobva vezveutano panzvimbo iyi, vanhu vakasara vakabatana nehutungamiriri hwemo vanosanganisira madzishe nemasabhuku vakauraya mombe vakadya. Zvisinei, hapana kupera mazuva apo vazhinji vavo vakatanga kurwara necholera kusanganisira madzishe anova akazouya opupura kuti vakasara vakaita misikanzwa,” vanodaro Dr Tshuma.
Vanoti kana munharaunda mukafa munhu necholera, pane mikana mikuru yekuti ipararire
VERUZHINJI vari kurumbidza chirongwa chiri kuitwa neHurumende nemamwe mapoka chekuchenesa guta reHarare nenzvimbo dzinogara veruzhinji vachiti chinobatsira zvakanyanya mukudzivirira zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera.
Hurumende yakauya nechirongwa che”Operation Chenesa Harare” mushure mekukundikana kwekanzuru yeguta iri kutakura marara panguva iyo chirwere checholera chiri kupararira.
Brenda Musabayana – uyo anotengesa muriwo, magogoya kana kuti madhumbe nemabanana kumusika weMbare izvo anobva nazvo kuHonde Valley, kudunhu reManicaland – anopembedza danho rakatorwa neHurumende iri achiti;
“Tanga toshaya makasitoma nenhau yehuchapa hwange hwava muno muMbare apo nhunzi, hutunga nehwema kwemarara zvaisava zvenhamo, nokudaro vamwe vatengi vaigona kunge vachifarira chikafu chatinotengesa, zvikuru semagogoya, asi vaiti vakangoona huyanga hwemuno, vaibva vasiya voenda kunotenga kuzvitoro. Hataivashora nekuti iwo marara ndiwo ari kuunza zvirwere zvemanyoka saka iko zvino tava kutambira makasitoma akawanda kana tichienzanisa nenguva yataive nemarara,” anodaro. kune vamwe kana vakasvika parufu urwu.
“Tichine mimwe misha isati yava nezvimbuzi apo vanhu vanoitira tsvina kuseri kwemakwenzi nokudaro hutachiona hunogona kutakurwa nenhunzi huchidzoka kudzimba kune vanhu kana kuyeredzwa kwetsvina iyoyo ichienda kunzizi nematsime anoshandiswa neveruzhinji. Tinokurudzira vanhu kuti vafashaidze mvura kana kuisa mapiritsi anochenesa
VaChenjerai Makove, avo vanoita mabasa ekutakurira varimi miriwo nemichero iyo vanotengesa mumusika, vanoti marara aitotadzisa marori avo kuti apinde mumusika.
“Taiti kana zviya tichiuya nevarimi kumisika, motokari dzedu dzainyura mumarara nekuti anenge achisangana nemvura achiora. Saka taikundikana kusvika pamisika yavo nezvinhu tovasiira kure vozopedzisa vega nekutsiga mumusoro kana kutakurisa nengoro zvaiita kuti varimi vadhurirwe,” vanodaro.
Mai Mary Kajuni, avo vanotengesa zvirimwa zvavo mumusika weMbare, vanoti mvura, kugeza maoko nesipo mushure mekushandisa zvimbuzi kana kuchinja vana manapukeni. Nharaunda ngadzigare dzakachena uye vanhu ngavachisiyana netsika iya yekuunganira chitunha kana kuchigezesa.
“Chirwere ichi tinongochitora nenzira iya yataiita munguva yeCovid-19 apo mutumbi unongobva kumochari wakananga kumakuva kuti vanhu vasatapurirwe uye munhu anotovigwa paine vaongorori vezveutano zvinorwadza kuti vanobhadhara mari yemutero kukanzuru asi marara asingatakurwe.
“Marara aiva pano aive nemakore anodarika maviri asingatakurwe nekuda kwehuwori huri mukanzuru nekuti vanoita zvekomisheni yekuti abvisa mari yemumaoko kwavari kwete yekuhofisi ndiye anobvisirwa marara paanoshandira. Dai Hurumende yapindira pahuwori uhwu vasunda vashandi vekanzuru kuti vaite basa ravo nemazvo nekuti kune zvirwere zvakawanda zviri kuunzwa nemarara iwaya,” vanodaro.
Dickson Kasu kana kuti Baba Tatenda anoti Hurumende vachiona kuti zvose zvaitwa nenzira isingaparadzire chirwere.
“Dzimba dzose dzinopfapfaidzwa mishonga senzira yekuuraya hutachiona. Donzvo redu nderekuchengetedza upenyu neutano hweveruzhinji,” vanodaro Dr Tshuma.
Vanoti nzvimbo dzinonetsa cholera mudunhu ravo dzinosanganisira Glendale, Dambe, Mushumbi neShamva.
“Zvakakosha kuti vanhu vatevedze yakaita basa guru apo yakaunza magiredha nematipper ichichenesa nharaunda yavanotengesera.
“Marara aive pano vanhu vaitokwira nemanera kuti ange achipinda mubhini nekuti ange ava nemakore maviri nechidimbu asiri kutakurwa uye tarisiro pange pasisina,” vanodaro.
VaPatience Munetsi vanova sachigaro wevanotengesa zvinhu kuMbare Musika vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kuita basa rayo nemazvo.
“Kanzuru haina hanya nekuita basa rayo kunyangwe vagari vachibvisa mitero yose inodiwa, vanongoramba vachiturikidza yambiro yose yavanopihwa neveutano nekuti kusaterera kune njodzi uye kunogona kuzoumba dambudziko guru rinozodhurira Hurumende. Vanhu ngavabve vadya kudzimba dzavo kwete kutarisira kunodya kunhamo nekuti pose panoungana vanhu mikana yekushaikwa kwehutsanana inowanda. Hatikurudziri kuti vanhu vaonekedzane nemutumbi wemunhu afa necholera,” vanodaro. zvichemo. Marara aya anga ava nemakore maviri nechidimbu kureva kuti kune vanhu vaitotambiriswa mari yemahara pasina basa ravaiita hunova hwatinoti humbavha kwakasangana nehuwori,” vanodaro.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanely Gama, vanoti ibasa rekanzuru kubvisa marara munharaunda uye kana paine vari kubvisiswa mimwe miripo yechiokomuhomwe nevashandi vavo imhosva.
“Tine mapurisa ekanzuru anotenderera achiita basa iroro rekuona kuti nyaya dzehuwori dziri kuitika papi uye dzichiitwa nani. Kana vanhu vari kubhadhara
Dr Tshuma vanorumbidza vemakereke echipositori emudunhu ravo vachiti vari kuratidza kugamuchira danho rekurwisa cholera.
“Vemakereke echiposotori vakawanda vari kubatsirika uye maVillage Health Workers anova nhengo dzemakereke aya vakadzidziswa vari kubatsirana navo kuti vazive kukosha kwekuchengetedza utano,” vanodaro. mari dzavo dzemitero kumahofisi ekanzuru, ndidzo bedzi dzinoshanda kuti vange vachibvisirwa marara. Hakuna dzimwe mari dzepamusoro dzavanozobhadhara kuti nharaunda dzavo dzinge dzichicheneswa nekuti hunetenge hwatova huwori.
“Hazvibatsiri kuti vanhu vanoona huwori huchiitika vobva vanyarara uye kana marara asiri kutakurwa vanofanira kuzivisa vekumahofisi edu.
‘‘Kana zvehuwori zvichinge zvaitika, mhan’arai kumapurisa edu kana eZimbabwe Republic Police nekuti imhosva,” vanodaro.