Kwayedza

‘Mutemo unochenget­edza vana wakanaka’

- Muchaneta Chimuka

MASANGANO anomirira kodzero dzevana ari kurumbidza mutemo mutsva uyo unorambidz­a kupinda murudo kana kushinha nemunhu ane makore ari pasi pe18 okuberekwa uye anobatwa nemhosva yerudzi urwu anogara makore 10 mujeri.

Mutungamir­iri wenyika President Mnangagwa svondo rapera vakashandi­sa masimba avo pasi pemutemo wePresiden­tial Powers (Temporary Measures) Act kuti paburitswe gwaro reStatutor­y Instrument 2 of 2024, the Presidenti­al Powers (Temporary Measures) (Criminal Laws (Protection of Children and Young Persons)) Regulation­s, 2024.

Izvi zvinoreva kuti zera rekubvuma kuenda pabonde rave pamakore 18 okuberekwa kwete 16 sekare apo mutemo uyu waive usati wavepo.

Kwayedza inoita hurukuro nemamwe masangano anomirira kodzero dzevana ayo ari kupembedza danho iri achiti richabatsi­ra mukuchenge­tedzwa kwevana.

“Tinofara zvikuru nezvakaitw­a nemutungam­iriri wenyika President Mnangagwa nekuti donzvo ravo guru nderekuche­ngetedza vana vanova nhaka yemangwana. Mutemo uyu usati wavapo, nyaya dzakawanda dzakakundi­kana kupinda mumatare edzimhosva nekuda kwekuti paisava nechikamu chemutemo chakakodze­ra kuti mapurisa vavhure madhoketi, zvikuru kana isiri mhosva yechibharo nekuti mutemo waivapo waipa mikana yekuti vana vane makore 16 vange vachibvuma bonde zvisinei nekuti vanhu vasati vabva zera,” vanodaro Mai Chipo Mahamba vanova executive director wesangano reVana Vedu Trust.

Muzvare Ekenia Chifamba, executive director weShamwari Yevanasika­na, vanotiwo: “Tinofara kuti makore ekubvuma bonde neekuroorw­a zvose zvava pa18. Pamakore 16, mwana anenge achiri kuenda kuchikoro achida rutsigiro rwevaberek­i nokudaro kubvuma kwavo bonde kunobva mukufuriri­ka, kudhakiswa nekutengwa nemari, pakati pezvimwe, asi kusiri kuda kwavo. Tinoona vanasikana vazhinji vachizoche­ma nekufamba kwenguva zvisinei nekuti vanenge vambotsigi­ra musungwa vachiti vaive murudo asi vachizosii­wa.”

Vimbainash­e Mutenderek­i, anova executive director wesangano reMusasa Project, anoti vanasikana nevanakoma­na vanoda kuchengete­dzwa nemutemo.

“Tinofara nedanho rakatorwa neHurumend­e nekuti mhirizhong­a dzepabonde dzainge dzowanda asi iko zvino vanhu vakaziva kuti makore gumi mujeri kana uchinge wambunyiki­dza pwere vanotyira kure zvichiita kuti vana vawane mikana yekukura nekupedzaw­o dzidzo yavo zvakanaka uye zvichibats­ira mubudiriro yenyika,” anodaro.

Mai Chikanda vemuHarare vanotiwo: “Hurumende yakaita basa zvikuru nekuti vana vanga vari kumbunyiki­dzwa vachingofi­ra mhosva yekuti vabvuma asi hationi kuti kune chinhu chaibvumwa nevana vane makore 16 nekuti vanenge vasati vakura mupfungwa.”

Yeukai Mandizera, uyo anoita basa rekutenges­a mbatya muguta reHarare, anoti wanano nepwere idambe chairo.

“Unoona munhu achifamba nendumurwa ine zera nemwana wake achiti mudzimai wake. Vamwe varume havanyari. Tinofara nemutemo uyu nekuti kana vanhu vakasungwa vanoziva gwara,” anodaro.

Bishop Causemore Mangena vechechi yeApostoli­c Faith Mission muHarare vanoti vanofara nemutemo mutsva uyu.

“Handina tarisiro yekuti murume mukuru ange achitora mukana wekushungu­rudza mwanasikan­a nekuti zvinorwadz­a uye zvinotyisa. Vanasikana vanokurumi­dza kuyaruka saka mikana yekumitisw­a nemadhara ane utsinye inokura nekuti vanenge vachiona miviri yavo sevakura nyambisirw­a pazera nemupfungw­a vachiri pwere.

“Mitemo ngaichenge­tedze vana uye veruzhinji ngatiishan­dise nemazvo pane kuti tinowanikw­a tava kupa mari dzechiokom­uhomwe kumapurisa kuti vasungwa vasiiwe nekuti chirango chemakore gumi hachisi chekutamba nacho. Tinoziva zvinoitika izvozvo kune vaye vasina mwoyo yekubereka,” vanodaro.

Taisekwa Dhliwayo anoti ibasa remunhu wose kuchengete­dza kodzero dzevana.

 ?? ?? BISHOP Causemore Mangena
BISHOP Causemore Mangena
 ?? ?? VIMBAINASH­E Mutenderek­i
VIMBAINASH­E Mutenderek­i
 ?? ?? MUZVARE Ekenia Chifamba
MUZVARE Ekenia Chifamba
 ?? ?? MAI Chipo Mahamba
MAI Chipo Mahamba
 ?? ?? MAMBO Makoni
MAMBO Makoni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe