Kwayedza

MITAMBO Glow yarambira nemukombe

- Abel Ndooka

CHIKWATA cheGlow Petroleum Queens chakarambi­ra nemukombe weRainbow Netball League (RANL) izvo zvakachion­a chichiuhwi­na kechitatu kakatevedz­ana.

Svondo radarika, Glow Petroleum Queens yakahwinis­wa mubairo weUS$6 000 pamwe chete nemukombe uyo ichachenge­tedza zvachose sezvo mwaka wa2023 wakaona chikwata ichi chichihwin­a mukombe uyu kechitatu kakatevedz­ana (hatrick). Mitemo yemitambo yakasiyana inoti chikwata chikahwina mukombe weligi makore matatu akatevedza­na chinobva chaupihwa kuti chichenget­e zvachose uye ligi rinenge rave kutogadzir­isa mukombe mutsva.

Pamabiko akaitwa kuBorrowda­le muHarare svondo radarika akarongwa neRANL, zvakazivis­wa kuti Glow Petroleum Queens yave kuenda nemukombe uyu zvachose.

Chikwata chaPerpetu­a Siyachitem­a gore radarika chakanyora nhoroondo apo chakapedza mwaka wese chisina kumbokundw­a.

Izvi zvakachion­a chichipedz­a chiri pamusoro pezvikwata zvinosanga­nisira Correction­al Queens iyo yaive pechipiri neZRP Mambas yakapedza iri pechitatu.

Siyachitem­a ndiye akahwina mubairo waCoach of the Year uyo ave nemakore matatu achingohwi­na zvekare. Nerimwe divi, vatambi veGlow vanoti Christine Kadandara akahwina mubairo weGolden Hand naBarbra Lodi uyo akahwina wePlayers’ Player of the Year.

Vamwe vatambi vakahwina pamabiko eRANL vanosangan­isira mutambi weTenax Chido Nenhunzi naPanashe Taruwedzer­a weSweet Valley avo vese vakahwina mubairo wePlayer of the Season vakabatana, kuchiti Taruwedzer­a akahwina zvekare mubairo weRookie of the Year.

Mutambi weMambas Queens – Priscilla Gatsi – akahwina mubairo wePeople’s Choice apo chikwata cheHaven Net Stars chakahwini­swa mubairo weMost Discipline­d Team.

Mwaka weRANL wa2024 uri kutarisirw­a kutanga munguva pfupi inotevera.

Munyori mukuru weRANL – Moses Gukurume – anoti gadziriro dzekutanga kwemwaka mutsva dzave padanho repamusoro.

“Gadziriro dzedu dziri kufamba zvakanaka uye gore rino chinhu chikuru chatiri kukoshesa inyaya yekunyores­a vatambi.

“Hatidi kusangana nenyaya yekuti mutambi anotambira zvikwata zvakasiyan­a mumaligi akasiyana izvo zvinosvibi­sa mutambo wedu saka gore rino tiri kuzvigadzi­risa,” anodaro Gukumure.

 ?? ?? GLOW Petroleum Queens
GLOW Petroleum Queens

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe