Kwayedza

Ndiri kudzoka: Samaita

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weMoors World of Sport (MWOS) Football Club iyo inotambira muNorthern Region Division One — Lloyd “Samaita” Mutasa — anoti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chigopinda muCastle Lager Premier Soccer League gore rinotevera.

Samaita akaenda kumaPunter­s kuMWOS inotambira kuNgoni Stadium kuNorton mwaka wadarika mushure mekudzingw­a basa kuGreen Fuel iyo yaakange apinza muPSL angoirairi­dza mutambo mumwechete.

Paakaenda kuMWOS, akasvika achitsiva Wonder Ngoko uyo akazotanga kushanda ari mutevedzer­i wake kuchikwata ichi.

Mumwaka wake wekutanga ari kuMWOS, iyo yaikwikwid­za muNorthern Region Division One, akaibatsir­a kuti ipedze iri muTop 4 izvo zvakayemur­wa zvikuru nevatsigir­i vechikwata ichi vachitaris­a kuti uyu waive mwaka wacho wekutanga chichikwik­widza muligi iri.

Mwaka wadarika, tikiti rekupinda muPSL reNorthen Region rakazotorw­a neChegutu Pirates iyo yakapedza iri pamusoro pezvimwe zvikwata zvese. Muhurukuro neKwayedza, Samaita anoti chikwata chake chicharwir­a kupinda muCastle Premiershi­p mwaka unotevera.

Rwendo urwu rwekurwira kupinda muPSL ruchange rusiri nyore nekuti muNorthern Region Division One chikwata chake chichakwik­widza nezvimwe zvinosanga­nisira Black Mambas, Harare City, Golden Eagles neTrojan Stars izvo zvinodawo kupinda muPSL gore rinotevera.

“Mwaka uno tine chinhu chimwechet­e, kurwira kupinda muPremier Soccer League, ndizvo zvatichang­e tichirwira.

“Tinoziva kuti rwendo rwacho ruchange rusiri nyore, asi tichashand­a zvakasimba kuti tihwine mitambo yedu zvitibatsi­re kupinda muPSL gore rinotevera,” anodaro. Sezvo mwaka uno Samaita ariye ari kutanga nechikwata chake uye achiona kutengwa kwevatambi vakasiyana, anoti ari kuongorora vatambi vaanoda kuunza kuMWOS.

“Basa ratichabat­a mwaka uno rinoda kuti tinge takagadzir­ira zvakasimba naizvozvo

(MWOS) tiri kutanga gadziriro dzedu nekukasika uye tiri kuongorora vatambi vatinoda kuunza kuchikwata chedu avo tinovimba kuti vachatibat­sira.

“Sezvo mwaka uyu ndini ndiri kutanga nechikwata ichi, ndinoda kunyatsoch­iumba ndoshanda nacho ndichichir­akidza matambiro andinoda izvo ndinovimba kuti zvichabats­ira kuti tirwire tikiti rekupinda muPSL gore rinotevera,” anodaro Samaita.

 ?? ?? LLOYD ‘Samaita’ Mutasa (kuruboshwe) aine vatambi vechikwata chake cheMoors World of Sport
Football Club
LLOYD ‘Samaita’ Mutasa (kuruboshwe) aine vatambi vechikwata chake cheMoors World of Sport Football Club

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe