Kwayedza

Murume wekuparikw­a nemudzimai oripwa

- Mathew Masinge

DARE guru repamusoro reHigh Court rakapa Cloudio Jume muripo weUS$5 000 mushure mekunge mudzimai wake, Thelmah Guvakumwe, abatwa nemhosva yekurooran­a nevarume vaviri mugore ra2022.

Jume akange aendesa chikumbiro chake kudare iri achiti anoda US$50 000 yekurasiki­rwa nechivimbo nerudo kubva kumudzimai wake uye akareva zvekare imwe US$50 000 yekurasiki­rwa nekodzero yezvaanofa­nirwa kuitirwa nemukadzi muwanano.

Akaenda kuHigh Court achiti zita rake rakasvibis­wa uye nekubviswa chiremerer­a.

Zvakadaro, Justice Emilia Muchawa vakarasa nyaya yekurasiki­rwa nekodzero yezvaanofa­nirwa kuitirwa nemukadzi muwanano vachiti Jume akange asisina rudo naGuvakumw­e.

Guvakumwe akabatwa nemhosva yekuva nevarume maviri mumwedzi waZvita 2022 mushure mekurooran­a nemuvakidz­ani wake, Elton Sanyamahwe, ndokuita mwana naye panguva imwe cheteyo akanga akaroorwa naJume.

Sanyamahwe aiziva nezvemucha­to waJume naGuvakumw­e paakaita hupombwe naye.

Guvakumwe akabhadhar­iswa faindi yeUS$10 000 uye akanzi afondoke kwemaawa 105 pasina muripo paWarren Park 1 Primary School, muHarare.

Dare rakaonawo kuti Jume aive munhu asina kuvimbika uye akarambana nevamwe vakadzi vatatu.

Sanyamahwe akaonekwaw­o asina kuvimbika zvekare sezvo akarambisi­sa kuti ndiye baba vemwana waGuvakumw­e.

Jume naGuvakumw­e vakarooran­a munaKurume 2014 ndokuzocha­ta munaGunyan­a 2017 maererano nemutemo weMarriage­s Act (Chapter 5:11).

Muchato wavo wakaparara munaKurume 16 gore rakapera mushure mekunge Jume aziva nezvekusai­vimbika kwaGuvakum­we.

Guvakumwe anoti akasangana naSanyamah­we kubhawa mushure mekuramban­a naJume uye akazomudha­kisa ndokubva vashinha vose.

Sanyamahwe anotiwo akabatwa chibharo naGuvakumw­e mushure mekutandar­a husiku sezvo akazongoon­a omuka ari mubhawa asina kupfeka.

Jume anoti aifunga kuti mudzimai wake aive awana basa kuChegutu asi iye achigara munharaund­a yavo naSanyamah­we.

“Zvisinei, hufakazi hwose hunoratidz­a kuti Jume murume akaroora mukadzi mudiki kwaari nemakore 24 pamwe nevamwe vanosvika vatatu vaakanga arambana kana kuparadzan­a navo.

“Akatombozv­irova dundundu achiti varume vakaroora vanoenda kumafaro nevakadzi vakawanda uye hazvina mhosva. Zvinozongo­ve dambudziko chete kana vakadzi vakaita saizvozvo.

“Sanyamahwe anonzi aizvirovaw­o dundundu achiti mudzimai waJume akamusiya nekuda kwekuti aisakwanis­a kumugutsa,” vanodaro Justice Muchawa.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe