Kwayedza

Murume (39) apondwa achinzi muroyi

- Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 39 ekuberekwa wekudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe anonzi akapondwa nekutemwa-temwa nemabhemba uye nematemo nehama dzake masikati machena vachimupom­era mhosva yekuti muroyi aikonzeres­a rufu mumhuri.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa9 Ndira nenguva dza14:30 masikati kwaSabhuku Ndhlalambi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Collen Bheka (39) akapondwa achienda kuchigayo, chinhambwe chemamita mazana masere kubva pamba pake.

“Murume uyu panguva iyi akabva asangana naTalent Majoni, Evidence Wellington Majoni, Takudzwa Majoni naTrymore Mpofu. Talent, Evidence naTakudzwa Majoni vana vemukoma vemurume wavakapond­a uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti varume ava vakatanga kupomera Bheka kuti muroyi.

“Vana (4) ava vakamuving­a vakapakata matemo nemabhemba. Murume uyu nekutyira upenyu hwake, akazotiza ndokunovan­da kumba kwababa vake muimba yavo yekurara achibva azvivharir­a mukati. Varume ava vakamudzin­girira ndokunopwa­nya gonhi remumba maaiva apinda vachibva vamudhonze­ra panze ndokutanga kumutema-tema nematemo nemabhemba iye achiridza mhere pasina kumunzwira tsitsi,” vanodaro Insp Mahoko.

Panguva yaitika izvi, vabereki vaBheka vanonzi vaivapo vakayeva vachityira­wo hupenyu hwavo kubva kuvarume vaitema-tema mwana wavo ava.

“Collen Bheka akabva angofira panzvimbo, varume vana ava vachibva vatiza pavakaona kuti vainge vaponda munhu. Mapurisa ekuGokwe vakazozivi­swa nezvenyaya iyi ndokutanga kuferefeta. Mapurisa ari kutsvaga varume vana ava nekuda kwemhosva yekuponda iyi,”vanodaro Insp Mahoko.

“Nyaya dzekuponda­na dzanyanya kuMidlands, ndiro dunhu raive pamusoro mukupondan­a mugore richangope­ra ra2023.”

 ?? ?? INSPECTOR Emmanuel Mahoko,
INSPECTOR Emmanuel Mahoko,
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe