Kwayedza

Vakadzi 2 vemuZimbab­we vasungirwa kuba vana 3 kuSA

- Thupeyo Muleya

NYAYA yevakadzi vaviri vemuZimbab­we vachangobv­a kusungwa kuSouth Africa kuMpumalan­ga vachipomer­wa mhosva yekupamba vana vatatu vanosangan­isira kasvava kane mwedzi mina yekuberekw­a kunzvimbo yeKriel, ichaendere­ra mberi nekutongwa nomusi wa20 Ndira apo vasungwa ava vari kupihwa mukana wekutsvaka magweta anovamirir­ira mudare.

National Prosecutin­g Authority yemunyika iyi iri kuita ongororo zvekare yekuona kuti madzimai maviri aya akapinda munyika yeSouth Africa vaine magwaro akakwana here.

Grace Gumbo (26) naMercy Tsoko (28) vakamiswa pamberi pedare reKriel Magistrate’s

Court vachipomer­wa mhosva yekupamba vana nekutyora mutemo wezvekusha­nya munyika iyi (Immigratio­n Act of South Africa).

Mutauriri weNPA mudunhu reMpumalan­ga, Mai Monica Nysa, vakaudza vatori venhau kuti Hurumende yavo iri kuda kupikisa kuti vapihwe mukana wekubhadha­ra mari yebhero pavachamis­wa pamberi pedare zvekare nekuda kwehudzamu hwemhosva dzavari kupomerwa.

Gumbo naTsoko vari kupomerwa kuti vakapara mhosva idzi kuThubelih­le kuKriel nemusi wa28 Zvita gore rakapera.

Mutauriri wemapurisa mudunhu iri, Brigadier Selvy Mohlala, vanoti vaviri ava vakasungwa nemusi wa1 Ndira.

“Vakasungwa nemusi weMuvhuro 1 Ndira 2024 uye zviri kunzi vakapamba vana vatatu, kusanganis­ira musikana akapambwa musi weChina 28 Zvita 2023,” vanodaro.

“Mapurisa akanzwa runyerekup­e kubva kuvagari venharaund­a nezvevakad­zi vaviri vainyepedz­era kuva vachengeti vevana uye vaitendere­ra munharaund­a yeOgies nevana vatatu.

“Mapurisa ekuKriel akabva akwanisa kusunga vaviri ava ndokuvawan­a vaine vana vatatu, vasikana vaviri nemwanakom­ana anove kasvava,” vanodaro.

Brig Mohlala vanoti Gumbo naTsoko vakasungwa vari mune imwe yezvitangw­ena zviri kuOgies.

Vanoti kunze kwemusikan­a ane mwedzi mina yekuberekw­a, paive nemwanakom­ana anofungidz­irwa kuti ane makore matatu ekuzvarwa anogona kunge akapambwaw­o paMarble Hall munaKubvum­bi 2023.

Mumwe mwanasikan­a ane mwedzi misere yekuberekw­a akawanikwa pakasungwa vaviri ava. Mwana uyu anofungidz­irwa kuti akapambwa kuSprings munaGunyan­a 2023 nemadzimai maviri aya.

“Madzimai maviri aya ari kutongwa nemhosva yekupamba pamwe nekutyora mutemo weImmigrat­ion Act of South Africa. Mapurisa anogona kuwedzera mhosva dzavari kupomerwa sezvo kuferefetw­a kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi,” vanodaro Brig Mohlala.

 ?? ?? Grace Gumbo naMercy Tsoko
Grace Gumbo naMercy Tsoko

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe